Obadiah 1:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge mukabururukira kumsoro segondo, ʋuye kunyaŋge ɗendere renyu rakaiswa pakati penyeredzi, ndicakuwisirai’po pasi — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange mukabhururuka segondo mukaruka dendere renyu pakati penyeredzi, kubva ipapo ndichakukandai pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvazvo muri muchadenga imomo segondo, nyange movakira zvenyu dendere renyu pakati penyenyedzi, ikoko ndichakukoromorerai pasi. Ndizvo zviri kutaura TENZI.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kunyange mukabhururukira kumusoro segondo, uye kunyange dendere renyu rikaiswa pakati penyeredzi, ndichakuwisiraipo pasi ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
"Kunyange mukabhururukira kumusoro segondo, uye kunyange dendere renyu rikaiswa pakati penyeredzi, ndichakuwisiraipo pasi ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Kunyangwe mukabhururukira kumusoro segondo, uye kunyangwe dendere renyu rikaiswa pakati penyenyedzi, ndichakuwisiraipo pasi ndizvo zvinotaura Jehovha.