Philemon 1:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti kugoʋana kwokutenda kwako kuʋe nesimba, kuti ɀakanaka ɀose ɀiri mukati meɗu kunaKristu ɀizikanwe;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai mubatirapamwe wako muchitendero wangobereka muchero wokuti iwe uzive zvakanaka zviri matiri kuitira Kristu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti kugovana kwokutenda kwako kuve nesimba, kuti zvakanaka zvose zviri mukati medu kuna Kristu zvizikanwe;
Shona 2009?
Kuti kugovana kokutenda kwako kuve nesimba Nokuzivisa zvakanaka zvose zviri mauri munaKristu Jesu.
Shona SUB 2002 Bible
kuti kugovana kwokutenda kwako kuve nesimba, kuti zvakanaka zvose zviri mukati medu kuna Kristu zvizikanwe;