Philippians 1:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusuŋgwa kwaŋgu, ʋonyanya kutsuŋga kuparidza shoko raMŋari ʋasiŋgatyi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuva mujeri kwangu kwakapa kuti ruzhinji rwevehama ruve nechivindi muna Tenzi uye vatova vanhu vasingambokatari zvavo kutaura Shoko raMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nehama zhinji muna Ishe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi.
Shona 2009?
Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi.
Shona SUB 2002 Bible
Nehama zhinji muna Ishe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi.