Philippians 1:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀinei haɀo? Haɀina haɀo, asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namano‐mano, kana neɀokwaɗi; ndinofara naɀo, ʋuye ndicasifara haŋgu naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hazvinei hazvo. Chiripo chete ndechokuti Kristu anoparidzwa nenzira dzakawanda, dzingave nzira kwadzo kana dzisina kunaka asi Kristu ari kuparidzwa. Izvozvo ndizvo zvinondifadza zvikuru. Aiwa! Zvinofadza kwazvo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvinei hazvo? Hazvina hazvo, asi kuti Kristu anoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nechokwadi; ndinofara nazvo, uye ndichasifara hangu nazvo.
Shona 2009?
Zvisinei hazvo? asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nechokwadi; ndinofara nazvo, uye ndichasifara hangu nazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvinei hazvo? Hazvina hazvo, asi kuti Kristu anoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nechokwadi; ndinofara nazvo, uye ndichasifara hangu nazvo.