Philippians 1:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
seɀaɀakanaka kwandiri kuti ndifuŋge saiɀoɀo pamsoro penyu mose, ɀandinokuraŋgarirai mumŋoyo maŋgu, nokuti pakusuŋgwa kwaŋgu napakutaʋirira nokusimbisa Evaŋgeri, imi makagoʋerwa nyasha pamŋe cete neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, sezvo ndinemi mumwoyo; nokuti kunyange ndakasungwa kana kuti ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri, imi mose munogovana neni munyasha dzaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munogara muri mumwoyo mangu mose zvenyu. Naizvozvo zviri pamwerowo kuti ndifunge kudai nezvenyu nokuti tinogoverana nyasha muusungwa hwangu uye mukurwira kusimbisa Shoko Rakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
sezvazvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, zvandinokurangarirai mumwoyo mangu, nokuti pakusungwa kwangu napakudavirira nokusimbisa Vhangeri, imi makagoverwa nyasha pamwechete neni.
Shona 2009?
sezvazvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, zvandinokurangarirai mumoyo mangu, nokuti pakusungwa kwangu napakutavirira nokusimbisa evhangeri, imwi makagoverwa nyasha pamwe chete neni.
Shona SUB 2002 Bible
sezvazvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, zvandinokurangarirai mumwoyo mangu, nokuti pakusungwa kwangu napakudavirira nokusimbisa Vhangeri, imi makagoverwa nyasha pamwechete neni.