Philippians 1:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiɀo zandinonyeŋgetera, kuti ruɗo rwenyu rurambe ruciŋgowanda pakuziʋa nokunzwisisa kwose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chandinokunamatirai ndechokuti dai rudo rwenyu rwangoramba rwuchifashukira kuwanda muine ruzivo nechipo chokugona kuona zvinhu nemazvo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakuziva nokunzwisisa kwose;
Shona 2009?
Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakunzva nokunzwisisa kose;
Shona SUB 2002 Bible
Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakuziva nokunzwisisa kwose;