Philippians 2:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi munoziʋa kutendeka kwake, kuti wakaɓata pamŋe cete neni paEvaŋgeri, somŋana unoɓatira ɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi hunhu hwaTimoti munohuziva kuti akashanda neni pane zveShoko Rakanaka somwana nababa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwechete neni paVhangeri, somwana anobatira baba vake.
Shona 2009?
Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwe chete neni paEvangeri, somwana unobatira baba vake.
Shona SUB 2002 Bible
Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwechete neni paVhangeri, somwana anobatira baba vake.