Philippians 2:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama yaŋgu, nomuɓatsiri waŋgu pamaɓasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri waŋgu pakushaiwa kwaŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhito, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azoona nezvokushayiwa kwangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinofunga kuti ndinofanira kutumira Epafurodhitosi, hama yangu nomushandipamwe neni, iye musoja pamwe neni. Ndiyewo mutumwa wenyu, kwandiri uye munhu anondibatsira mune zvandinoshaya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafirodhito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri wangu pakushayiwa kwangu;
Shona 2009?
Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri wangu pakushaiwa kwangu;
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafirodhito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri wangu pakushayiwa kwangu;