Philippians 2:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakaŋga acirwara kwaɀo, ari pakufa; asi Mŋari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye ɓedzi, asi neni ʋo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamsoro penhamo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvechokwadi akanga achirwara, uye akapotsa afa. Asi Mwari akava nengoni naye, uye kwete kwaari oga asi kwandiriwo, kuti ndirege kuva nokusuwa pamusoro pokusuwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ichokwadiwo kuti airwara, zvokutoda kufa asi Mwari akamuitira tsitsi, kwete iye chete asi kana iniwo kuti ndirege kuva nenhamo pamusoro peimwe nhamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti akanga achirwara kwazvo, ari pakufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye bedzi, asi neniwo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamusoro penhamo.
Shona 2009?
Nokuti wakanga achirwara kwazvo, ari pedo nokufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye bedzi, asi neni vo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamusoro penhamo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti akanga achirwara kwazvo, ari pakufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye bedzi, asi neniwo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamusoro penhamo.