Philippians 3:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ndimuziʋe iye, nesimba rokumuka kwake, nokusoŋgana naye pamaɗambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinoda kuziva Kristu uye simba rokumuka kwake uyewo kuti ndigoverane naye matambudziko ndichivawo saiye murufu rwake
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusangana naye pamadambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;
Shona 2009?
kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusongana naye pamatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;
Shona SUB 2002 Bible
kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusangana naye pamatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;