Philippians 3:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
uyo ucaʋandudza muʋiri wokuninipiswa kweɗu, kuti ufanane nomuʋiri wokubginya kwake, nesimba iro raanogona ʋo naro kuɀiisira ɀose pasi pake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yokuninipisa kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiye achasandura muviri wedu uno wenhando achiuita semuviri wake wembiri nesimba rinomugonesa kuisa zvinhu zvose pasi pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uyo achavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuzviisira zvose pasi pake.
Shona 2009?
uyo uchavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogona vo naro kuzviisira zvose pasi pake.
Shona SUB 2002 Bible
uyo achavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuzviisira zvose pasi pake.