Philippians 4:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, ʋaɗikanwa ʋandinoshuʋa kwaɀo, mufaro waŋgu, nekorona yaŋgu, mirai nesimba saiɀoɀo munaShe, ʋaɗikanwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo hama dzangu dzandinoda dzandinosuwa, ndimi rufaro rwangu nechidadiso changu. Rambai makasimba muna Tenzi saizvozvo, hama dzangu dzapamwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo, hama dzangu, vadikanwi vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo muna Ishe, vadikanwi.
Shona 2009?
Naizvozvo, hama dzangu, vadikamwa vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo munaShe, vadikamwa.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo, hama dzangu, vadikani vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo muna Ishe, vadikani.