Philippians 4:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Handireʋi iɀoɀi nokuti ndinoshaiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda neɀose ɀandinaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handisi kutaura izvi pamusana pokushaya chokubata nokuti ini ndakadzidza kugutsikana namamiriro anenge akaita zvinhu kwandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Handirevi izvozvi nokuti ndinoshayiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo.
Shona 2009?
Handirevi izvozvi nokuti ndinoshaiwa, nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Handirevi izvozvi nokuti ndinoshayiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo.