Philippians 4:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munoziʋa ʋo, imi ʋaFiripi, kuti pakutaŋga kweEvaŋgeri, ndicibva Makedonia, pakaŋga pasinekereke imŋe yakasoŋgana neni pashoko rokupa nokugamucira, asi imi moga;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi vanhu veFiripi, sokuziva kwenyu, imi pachenyu, kuti pakutangisa kweShoko Rakanaka, pandakabva kuMasedhonia, hakuna rimwe sangano rakabatana neni ndichiita kandiro enda kandiro dzoka navo kusiya imi moga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munozivawo, imi vaFiripi, kuti pakutanga kweVhangeri, ndichibva Makedhonia, pakanga pasina sangano rimwe rakasangana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imi moga;
Shona 2009?
Munoziva vo, imwi vaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, ndichibva Makedhonia, pakanga pasinekereke imwe yakasongana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imwi moga;
Shona SUB 2002 Bible
Munozivawo, imi VaFiripi, kuti pakutanga kweVhangeri, ndichibva Masedhonia, pakanga pasina sangano rimwe rakasangana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imi moga;