Philippians 4:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndaʋa neɀose, ndafumiswa; ndaguta, ndagamucira kunaEpafrodito iɀo, ɀinobva kwamuri, ɀakaita so bgema bgunonhuwira, neciɓayiro cakafanira, cinofadza Mŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhito chipo chamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makandiripa zvizere uye zvakapfuurikidza. Ndava nezvose pandadai kugamuchira kuna Epafurodhitusi zvipo zvamakanditumira, mupiro chaiwo, chibayiro chinogamuchirika chinofadza Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndava nezvose, ndapfumiswa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafirodhito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sohwema hunonhuwira, nechibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.
Shona 2009?
Zvino ndava nezvose, ndafumiswa; ndaguta, ndagamuchira kunaEpafrodito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sobwema bwunonhuhwira, nechibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndava nezvose, ndapfumiswa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafirodhito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sohwema hunonhuwira, nechibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.