Philippians 4:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hoŋo, newe ʋo, shamŋari yaŋgu yaɀokwaɗi paɓasa, ndinokumbira kwauri kuti uɓatsire ʋanhukadzi aʋa, nokuti ʋakaɓatirana neni paEvaŋgeri, pamŋe cete naKremensi, naʋamŋe ʋakaɓata pamŋe cete neni, mazita aʋo ari mubuku yoʋupenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremendi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hongu ndinokumbirawo, iwe mumwe wangu akatendeka kuti ubatsire madzimai aya nokuti vakashanda pamwechete neni mubasa reShoko Rakanaka pamwechetewo naKeremendi navamwe vose vandaishanda navo vana mazita ari mubhuku roupenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hongu, newewo, shamwari yangu yazvokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paVhangeri, pamwechete naKiremenzi, navamwe vakabata basa pamwechete neni, mazita avo ari mubhuku youpenyu.
Shona 2009?
Hongu, newe vo, shamwari yangu yechokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paevhangeri, pamwe chete naKiremenzi, navamwe vakabata pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku yovupenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Hongu, newewo, shamwari yangu yazvokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paVhangeri, pamwechete naKiremenzi, navamwe vakabata basa pamwechete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu.