Proverbs 1:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhai imi ʋasinamano, mucaɗa kusaʋa‐namano kuȿikira riniko? Ne mi ʋaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuʋeŋga ziʋo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kusvikira riniko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano? Kusvikira riniko vaseki vachifarira kuseka, uye mapenzi achivenga zivo?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhaimi vasinganzwisisi muchasvika rinhi musinganzwisisi? Imi vashori kusvikira rinhiko muchifarira kunyomba uye muri mapenzi asingadi ruzivo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nhai imi vasina mano, muchada kusava namano kusvikira riniko? Nemi vaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuvenga zivo?
Shona 2009?
"Nhai imwi vasina mano, muchada kusava namano kusvikira rinhiko? nemwi vaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuvenga zivo?
Shona SUB 2002 Bible
“Nhai imi vasina mano, muchada kusava namano kusvikira rinhiko? Nemi vaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuvenga zivo?