Proverbs 12:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu unoninipiswa, anomuranda hake, Unopfuʋura unoɀikudza, asineɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zviri nani kuva munhu anoninipiswa asi iwe une muranda, pane kuzviita munhu wapamusoro iwe usina zvokudya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zviri nani kuva munhu anoonekwa somunhuwo zvake asi achizviriritira pane munhu anozviita wapamusorosoro asi chokudya asina.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu anoninipiswa, ane muranda hake, Anopfuura anozvikudza, asina zvokudya.
Shona 2009?
Munhu anoninipiswa, ane muranda hake, Anopfuura anozvikudza, asina zvokudya.
Shona SUB 2002 Bible
Munhu anoninipiswa, ane muranda hake, Anopfuura anozvikudza, asina zvokudya.