Proverbs 14:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge munhu aŋgaseka hake, mŋoyo uŋgaʋa neshuŋgu; Kuguma kwomufaro ndiko kucema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange mukuseka mwoyo unogona kurwadziwa, uye mufaro ungangoperera mukusuwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu anogona kuseka zvake asi mumwoyo make muino kusuwa panopera kufara-fara kuya, yauya nhamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange munhu angaseka hake, mwoyo ungava neshungu; Kuguma kwomufaro ndiko kuchema.
Shona 2009?
Kunyange munhu angaseka hake, moyo ungava neshungu; Kuguma komufaro ndiko kuchema.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe munhu angaseka hake, mwoyo ungava neshungu; Kuguma kwomufaro ndiko kuchema.