Proverbs 14:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakacenjera unotya ɀakashata, aciɀinɀeŋga; Asi ɓenzi rinamanyawi, riciɀitenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa, asi benzi rina manyawi uye harina hanya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mungwaru anochenjerera zvinhu uye anonzvenga zvakaipa asi benzi rinozviita suku nasai, harikendenge.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rina manyawi, richizvitenda.
Shona 2009?
Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rinamanyawi, richizvitenda.
Shona SUB 2002 Bible
Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rina manyawi, richizvitenda.