Proverbs 15:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa; Asi nzira yaʋakarurama yakagadzirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa, asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nzira yetsimbe yakaita seruzhowa rweminzwa asi nzira yomururami yakati tasa somugwagwa mukuru wakati sandara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa; Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa.
Shona 2009?
Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rwemhinzwa; Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa; Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa.