Proverbs 16:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova wakaitira cinhu cimŋe necimŋe ɓasa raco; Ɀirokwaɀo kunyaŋge nowakaipa wakaitirwa zuʋa reɀakashata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi anebasa raakasikira chimwe nechimwe kunyange vakaipa vane zuva ravo repfumvu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akaitira chinhu chimwe nechimwe basa racho; Zvirokwazvo kunyange nowakaipa akaitirwa zuva rezvakashata.
Shona 2009?
Jehovha akaitira chinhu chimwe,nechimwe basa racho; Zvirokwazvo kunyange nowakaipa wakaitirwa zuva rakaipa,
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akaitira chinhu chimwe nechimwe basa racho; Zvirokwazvo kunyangwe nowakaipa akaitirwa zuva rezvakashata.