Proverbs 16:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀakaipa ɀinodzikinurwa nenyasha neɀokwaɗi; Nokutya Jehova ʋanhu ʋanobva paneɀakashata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwoyo wakanaka nokutendeseka zvinopfupira zvitadzo kutya Tenzi kunoita kuti munhu anzvenge uipi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvakaipa zvinodzikinurwa nenyasha nezvokwadi; Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.
Shona 2009?
Zvakaipa zvinodzikunurwa nenyasha nezvokwadi; Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.
Shona SUB 2002 Bible
Zvakaipa zvinodzikinurwa nenyasha nezvokwadi; Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.