Proverbs 17:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge neɓenzi, kana rinyerere, riŋganzi rakacenjera; Unoɓumira muromo wake, ucanzi wakaŋgwara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange benzi rinonyarara rinoonekwa somungwaru. Kana akaramba akati zvake muromo bo vanhu vanofunga kuti anonzwisisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange nebenzi, kana rinyerere, ringanzi rakachenjera; Anobumira muromo wake, achanzi akangwara.
Shona 2009?
Kunyange nebenzi, kana rinyerere, ringanzi rakachenjera; Anobumira muromo wake, achanzi akangwara.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe nebenzi, kana rinyerere, ringanzi rakachenjera; Anobumira muromo wake, achanzi akangwara.