Proverbs 23:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti seɀaanofuŋga mumŋoyo make, ndoɀaakaita; Unoti kwauri: Cidya, cinwa; Asi mŋoyo wake haunehanya newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti iye mumwoyo rinenge riri bishi kufunga uku achiti idya idya zvako asi iye asingambozvirevi nomwoyo wose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti sezvaanofunga mumwoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, “Chidya, chinwa;” Asi mwoyo wake haune hanya newe.
Shona 2009?
Nokuti sezvaanofunga mumoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, "Chidya, chimwa;", Asi moyo wake haune hanya newe.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti sezvaanofunga mumwoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, “Chidya, chinwa;” Asi mwoyo wake haune hanya newe.