Proverbs 24:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ukati: Tarirai, hatina‐kuɀiziʋa; Ko iye unoidza mŋoyo, haaɀiʋoni here? Naiye unoceŋgeta mŋeya wako, haaɀiziʋi here? Ko iye haaŋgapi mumŋe nomumŋe seɀaakaɓata here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ukati, “Hatina kumbozviziva.” Ko iye anoona mwoyo haazvione here? Ko iye anokuchengeta haazvizivi here? Haape mumwe nomumwe maererano nezviito zvake here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ukati, “Tarirai, hatina kuzviziva;” Ko iye anoidza mwoyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?
Shona 2009?
Kana ukati, "Tarirai, hatina kuzviziva; " Ko iye anoidza moyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?
Shona SUB 2002 Bible
Kana ukati, “Tarirai, hatina kuzviziva;” Ko iye anoidza mwoyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?