Proverbs 25:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhume yakatendeka yakafanana kunaʋanoituma Nokutonhorera kwecando paŋguʋa yokuceka; Nokuti inoponesa mŋeya yaʋatenzi ʋayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kune vanotuma nhumwa yakatendeka yakaita sokutonhora kwamazaya echando panguva yokukohwa anonyevenutsa mwoyo yavatenzi vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokucheka; nokuti anoponesa mweya yavatenzi vayo.
Shona 2009?
Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; nokuti anoponesa mweya yavatenzi vayo.
Shona SUB 2002 Bible
Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokucheka; nokuti anoponesa mweya yavatenzi vayo.