Proverbs 30:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiani wakakwira kuɗeŋga, akaɓuruka ɀe? Ndiani wakaʋuŋganidza mhepo mucanza cake? Ndiani wakasuŋgira mvura muŋguʋo yake? Ndiani wakasimbisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romŋanakomana wake, kana uciriziʋa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiani akakwira kudenga uye akazoburuka? Ndiani akabata mhepo mumaoko ake? Ndiani akasungirira mvura munguo yake? Ndiani akaisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, uye nezita romwanakomana wake? Ndiudzei kana muchiriziva!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko ndiani akambokwira kudenga akaburuka? Ndiani ati aunganidza mhepo muchanza chake? Ndiani amboti aputira mvura mujira? Ndiani akaisa miganhu yose yenyika? Zita rake ndiani, mwana wake mukomana zita rake ndiani, kana uchiriziva?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva?
Shona 2009?
Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguvo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva?
Shona SUB 2002 Bible
Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva?