Proverbs 31:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarege kunwa, ʋacizokaŋganwa murairo, Ʋarege kukaŋganisa kururamisira ʋamŋe ʋanotambudzika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro, uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti vangadaro vanwa vakakanganwa zvakatemwa vachizokanganisa zvinofanira kuitirwa varombo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varege kunwa, vachizokanganwa murayiro, Varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika.
Shona 2009?
Varege kumwa, vachizokangamwa murayiro, Varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika.
Shona SUB 2002 Bible
Varege kunwa, vachizokanganwa murairo, Varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika.