Proverbs 6:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti nokuɗa kwecifeʋe munhu uŋgaȿikira pa kudya cimeɗu ɓedzi ceciŋgwa; Mukadzi wo mumŋe munhu unovima ʋupenyu ʋunokosha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti pfambi inogona kutengwa nemari yechingwa asi mukadzi womumwe anonanga zvokutora upenyu hwakakosha hwomunhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha.
Shona 2009?
Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimeduchetechechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha.