Proverbs 6:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ita kuɗai, mŋanakomana waŋgu, uɀirwire, Ɀawaɓatwa noruʋoko rwowokwako: Enda, undoɀininipisa, ukumbire ɀikuru kunowokwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvaunofanira kuita ndezvizvi, mwanangu, kuitira kuti uzvinunure nokuti unenge watowira mumaoko omumwe wako. Enda uzvirereke utadzise mumwe wako iyeyo kudya rinopisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako.
Shona 2009?
Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kune wekwako.