Psalms 102:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munyeŋgetero wounotambudzika pakumanikidzwa kwake; unocema kwaɀo pamberi paJehova. Inzwai munyeŋgetero waŋgu, Jehova, Kucema kwaŋgu ŋgakuȿikire kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munyengetero womunhu anotambudzika. Paanenge aziya uye odurura kuchema kwake pamberi paJehovha. [1] Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; kuchemera kwangu rubatsiro ngakusvike kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munamato womunhu wevechidiki munhamo Inzwai munamato wangu, imi TENZI, kuchema kwangu ngakusvike kwamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, Kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.
Shona 2009?
Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, Kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, Kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.