Psalms 127:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haɀinamaturo kuti mumuke maŋgwanani nokunonoka kundoʋata, Nokudya ɀokudya ɀamakatamburira; Nokuti unopa ʋaɗikanwa ʋake iɀoɀo ʋaʋete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hazvina maturo kumuka mangwanani nokunonoka kuvata, uchitambudzikira zvokudya, nokuti anopa hope kuna vaanoda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kufumomuka kwenyu nokunonoka kundorara munozviitira pasina chimuko muchionera nhamo chamunodya nokuti anopa kune wake wapamwoyowo arere zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hazvina maturo kuti mumuke mangwanani nokunonoka kundovata, Nokudya zvokudya zvamakatamburira; Nokuti anopa vadikanwi vake izvozvo vavete.
Shona 2009?
Hazvina maturo kuti mumuke mangwanani nokunonoka kundovata, Nokudya zvokudya zvamakatamburira; Nokuti anopa vadikamwi vake izvozvo vavete.
Shona SUB 2002 Bible
Hazvina maturo kuti mumuke mangwanani nokunonoka kundovata, Nokudya zvokudya zvamakatamburira; Nokuti anopa vadikanwi vake izvozvo vavete.