Psalms 14:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƌayi kuponeswa kwaIsraeri kwaibva paZioni! Kana Jehova acidzosa ʋanhu ʋake pakutapxa, Ipapo Jakobo ucafarisisa kwaɀo, naIsraeri ucafara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni! Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake, Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai ruponeso rweIsiraeri rwangobva kugomo reZioni. Kana TENZI ava kudzosa vaIsiraeri kuutapwa, vokwaJakobho vachapembera vokwaIsiraeri vachafara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZioni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara.
Shona 2009?
Dai kuponeswa kwalsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara.
Shona SUB 2002 Bible
Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZioni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara.