Psalms 141:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pisarema raDavidi. Jehova, ndakaɗana kwamuri; kurumidzai kuʋuya kwandiri; Tererai inzwi raŋgu kana ndiciɗana kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pisarema raDhavhidhi. [1] Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri. Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mururami anochema kuna Mwari pakati pavakaipa Ndinodanidzira kwamuri TENZI kurumidzai kuuya kwandiri. Teererai izwi rangu pandinodanidzira kwamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha, ndakadana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri; Teererai izwi rangu kana ndichidana kwamuri.
Shona 2009?
Jehovha, ndakadana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri; Teererai inzwi rangu kana ndichidana kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha, ndakadana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri; Teererai izwi rangu kana ndichidana kwamuri.