Psalms 24:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uyo unamaʋoko akacena, nomŋoyo wakanaka kwaɀo; Usiŋgasimudziri mŋoyo wake kuneɀisinamaturo, Nousina‐kupika nhema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu ana maoko akachena nomwoyo wakachena. Munhu asina kupika neni nhando kana kupika nhema.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyo anamaoko akachena, nomwoyo wakanaka kwazvo; Asingasimudziri mwoyo wake kune zvisina maturo, Neasina kupika nhema.
Shona 2009?
Uyo anamaoko akachena, nomoyo wakanaka kwazvo; Asingasimudziri moyo wake kune zvisina maturo, Neasina kupika nhema.
Shona SUB 2002 Bible
Uyo ana maoko akachena, nomwoyo wakanaka kwazvo; Asingasimudziri mwoyo wake kune zvisina maturo, Neasina kupika nhema.