Psalms 27:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge hondo ikandikomba, Mŋoyo waŋgu hauŋgatyi; Kunyaŋge ndikaʋiŋgwa nokurwa, Neŋguʋa iyo ndicaʋimba naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange hondo ikandikomba, mwoyo wangu haungazotyi; kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa, ipapo ndichavimba naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange ndikakombwa nehondo mwoyo wangu haungatyi kunyange hondo ikandimukira kuvimba kwangu nemi kucharamba kuripo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange hondo ikandikomba, Mwoyo wangu haungatyi; Kunyange ndikavingwa nokurwa, Nenguva iyo ndichavimba naJehovha.
Shona 2009?
Kunyange hondo ikandikomba, moyo wangu haungatyi; Kunyange ndikavingwa nokurwa, Nenguva iyo ndichavimba naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe hondo ikandikomba, Mwoyo wangu haungatyi; Kunyangwe ndikavingwa nokurwa, Nenguva iyo ndichavimba naJehovha.