Psalms 27:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cinhu cimŋe cete ndakakumbira kunaJehova, ndico candicatȿaka; Kuti ndigare mumba maJehova misi yose yoʋupenyu bgaŋgu, Kuti ndiʋone kunaka kwaJehova, nokuraŋgarira mutembere yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha, ndicho chandinotsvaka: kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti nditarire kunaka kwaJehovha uye ndimutsvake mutemberi yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinokumbira kuna TENZI chinhu chimwechete ichocho ndicho chandinotsvaka chokuti ndigare zvangu mumba maTENZI mazuva ose oupenyu hwangu kuitira kuti ndione kunaka kwaTENZI uye kuti ndibvunzire kwaari muTemberi yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chinhu chimwechete ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka; Kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, Kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutemberi yake.
Shona 2009?
Chinhu chimwechete ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka; Kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, Kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutemberi yake.
Shona SUB 2002 Bible
Chinhu chimwechete ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka; Kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, Kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutemberi yake.