Psalms 31:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ndiri’ni, ndakati pakukaruka kwaŋgu: Ndabviswa pamberi penyu; Kunyaŋge ɀakaɗaro, makanzwa inzwi rokukumbira kwaŋgu pakucema kwaŋgu kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukuvhunduka kwangu, ndakati, “Ndabviswa pamberi penyu!” Asi makanzwa kuchemera nyasha kwangu pandakadanidzira kwamuri ndichida rubatsiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pandaive ndadumbirwa ndakati ndadzingirwa kure nemi asi imi makanzwa munamato wangu pandakachemera rubatsiro kwamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, “Ndabviswa pamberi penyu;” Kunyange zvakadaro, makanzwa izwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri.
Shona 2009?
Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, "Ndabviswa pamberi penyu;" Kunyange zvakadaro, makanzwa inzwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, “Ndabviswa pamberi penyu;” Kunyangwe zvakadaro, makanzwa izwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri.