Psalms 32:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ʋose ʋanotya Mŋari ŋgaʋanyeŋgetere kwamuri paŋguʋa yamuŋgawanikwa; Ɀirokwaɀo kana mvura zhinji icikukura, haiŋgaȿiki kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri muchiri kuwanikwa; zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira, haingasviki kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo munamati wose ngaanamate kwamuri panguva yenhamo, mapopopo emvura haambomusviki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamungawanikwa; Zvirokwazvo kana mvura zhinji ichikukura, haingasviki kwaari.
Shona 2009?
Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamunowanikwa, zvirokwazvo kana mvura ichikukura, hasvikiri kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamungawanikwa; Zvirokwazvo kana mvura zhinji ichikukura, haingasviki kwaari.