Psalms 32:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Regai kuʋa sebiza, kana sehesera, ɀisiŋganzwisisi; Ɀinofanira kufambiswa norwauro netomu pamakashu aɀo, Haɀiŋgazoɗi kusweɗera kwauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rega kuva sebhiza kana sehesera, zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa nomukaro kana namatomu, kana kuti hazvingauyi kwauri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Usaite sebhiza kana nyurusi risinganzwe rinotoda kudzorwa namatomhu netambo, ukasadaro harirambe riinewe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Regai kuva sebhiza, kana sehesera, zvisinganzwisisi; Zvinofanira kufambiswa norwauro netomu pamakashu azvo, Hazvingazodi kuswedera kwauri.
Shona 2009?
Regai kuva sebhiza, kana sehesera zvisinganzwisisi. Zvinofanira kufambiswa nerwauro netomu namakashu azvo, Hazvingazodi kuswedera kwauri.
Shona SUB 2002 Bible
Regai kuva sebhiza, kana sehesera, zvisinganzwisisi; Zvinofanira kufambiswa norwauro netomu pamakashu azvo, Hazvingazodi kuswedera kwauri.