Psalms 35:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova, mucatarira iɀoɀo kuȿikira riniko? Rwirai mŋeya waŋgu pakuparadza kwaʋo, Muɗikanwa waŋgu pashumba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kusvikira riniko nhai TENZI makangotarisa zvenyu kudai? Ndinunureiwo mukundirwisa kwavo mundinunurewo upenyu kushumba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira riniko? Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo, Mudikanwa wangu pashumba.
Shona 2009?
Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira rinhiko? Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo, Mudikamwa wangu pashumba.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira rinhiko? Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo, Mudikanwa wangu pashumba.