Psalms 36:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi muranda waJehova. Kuɗarika kwowakaipa kunoreʋa mumŋoyo maŋgu, kuciti: Hakuno‐kutya Mŋari pamberi pameso ake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. [1] Shoko riri mumwoyo mangu pamusoro pokutadza kwavakaipa rinoti: Hakuna kutya Mwari pamberi pake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uipi homunhu noururami hwaMwari Chitadzo chinotaura revo kune wakaipa mukatikati memwoyo wake chichiti kwaari zvokutya Mwari hapana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kudarika kwoakaipa kunoreva mumwoyo mangu, kuchiti, “Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.”
Shona 2009?
Kudarika kowakaipa kunoreva mumoyo mangu, kuchiti, "Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake."
Shona SUB 2002 Bible
Kudarika kwoakaipa kunoreva mumwoyo mangu, kuchiti, “Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.”