Psalms 40:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Handina‐kuʋanza kururama kwenyu mumŋoyo maŋgu; Ndakaɗudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina‐kuʋanzira ʋuŋgano huru ʋunyoro bgenyu neɀokwaɗi yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu; ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu. Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu paungano huru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handina kuvanza mumwoyo mangu kutaura zvoruponeso rwenyu runobatsira. Ndakataura nezvokutendeka kwenyu nokununura kwenyu. Handina kuvanza mwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu kusangano renyu guru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Handina kuvanza kururama kwenyu mumwoyo mangu; Ndakadudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina kuvanzira ungano huru unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu.
Shona 2009?
Handina kuvanza kururama kwenyu muwoyo mangu; Ndakadudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina kuvanzira ungano huru unyoro bwenyu nechokwadi chenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Handina kuvanza kururama kwenyu mumwoyo mangu; Ndakadudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina kuvanzira ungano huru unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu.