Psalms 40:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akandiɓuɗisa ʋo pagomba rokuparadzwa, nomudziʋa ramatope; Akamisa tsoka dzaŋgu paɗombo, akasimbisa kufamba kwaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akandiburitsa mugomba rinounga, kubva munhope yomunyakwe. Akanditsikisa padombo akatsigisa kufamba kwangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope; Akamisa tsoka dzangu padombo, akasimbisa kufamba kwangu.
Shona 2009?
Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope; Akamisa tsoka dzangu padombo, akandisimbisa pakufamba kwangu.
Shona SUB 2002 Bible
Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope; Akamisa tsoka dzangu padombo, akasimbisa kufamba kwangu.