Psalms 42:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Misodzi yaŋgu ɀakaŋga ɀiri ɀokudya ɀaŋgu masikati noʋusiku, Pakutaura kwaʋo zuʋa rose kwandiri ʋaciti: Mŋari wako uripiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu masikati nousiku, asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri, “Mwari wako aripiko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Upenyu hwangu yangova misodzi chete siku nesikati vanhu vachingonditi, “Iye Mwari wako aripi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu masikati nousiku, Pakutaura kwavo zuva rose kwandiri vachiti, “Mwari wako aripiko?”
Shona 2009?
Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu masikati nousiku, Pakutaura kwavo zuva rose kwandiri vachiti, "Mwari wako aripiko?"
Shona SUB 2002 Bible
Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu masikati nousiku, Pakutaura kwavo zuva rose kwandiri vachiti, “Mwari wako aripiko?”