Psalms 42:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unoshuwireiko, mŋeya waŋgu? Unoshaiwa rugare neiko mukati maŋgu? Tarira kunaMŋari; nokuti ndicazomurumbidza haŋgu, Nokuɗa kwokuponesa kweciso cake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko ndasururavara neiko kudai iyeni? Ko ndadzongodzwa mwoyo mukati mangu seiko kudai? Ndinofanira kutarisira muna Mwari nokuti ndichamurumbidzazve iye rubatsiro rwangu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Nokuda kwokuponesa kwechiso chake.
Shona 2009?
Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Nokuda kokuponesa kwechiso chake.
Shona SUB 2002 Bible
Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Nokuda kwokuponesa kwechiso chake.