Psalms 45:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weShoshanimi; Pisarema raʋanakomana ʋaKora. Rwiyo rweMashiri. Rwiyo rworuɗo. Mŋoyo waŋgu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura ɀinhu ɀandakaita ɀinoreʋa mambo; Rurimi rwaŋgu ipeni yomunyori unokurumidza kunyora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa “Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato. [1] Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka, pandinodetembera mambo ndima dzangu; rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rwiyo rwomuchato wamambo Mwoyo wangu unotutuma namashoko akanaka ndinodetemba nhetembo yangu kuna Mambo rurimi rwangu rwakaita sepenzura yenyanzvi yomunyori.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwoyo wangu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura zvinhu zvandakaita zvinoreva mambo; Rurimi rwangu ipeni yomunyori anokurumidza kunyora.
Shona 2009?
moyo wangu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura zvinhu zvandakaita zvinoreva mambo; Rurimi rwangu ipeni yomunyori anokurumidza kunyora.
Shona SUB 2002 Bible
Mwoyo wangu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura zvinhu zvandakaita zvinoreva mambo; Rurimi rwangu ipeni yomunyori anokurumidza kunyora.