Psalms 49:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakatarirwa Sheori samakwai; Rufu rucaʋa mufudzi waʋo; Ʋakarurama ʋacaɓata ʋushe pamsoro paʋo maŋgwanani; Kunaka kwaʋo kucaŋgoparadzwa neSheori, kuti kurege kuʋa noʋugaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sehwai, vanotemerwa kuenda kunzvimbo yavakafa. Rufu ruchava mufudzi wavo vakarurama vachavatonga mangwanani chaiwo uye muviri wavo uchadyika. Nzvimbo yavakafa ndiyo ichava musha kwavari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakatarirwa Sheori samakwai; Rufu ruchava mufudzi wavo; Vakarurama vachabata hushe pamusoro pavo mangwanani; Kunaka kwavo kuchangoparadzwa neSheori, kuti kurege kuva nougaro.
Shona 2009?
Vakatarirwa Sheori samakwai; Rufu ruchava mufudzi wavo; Vakarurama vachabata ushe pamusoro pavo mangwanani; Kunaka kwavo kuchangoparadzwa neSheori, kuti kurege kuva nougaro.
Shona SUB 2002 Bible
Vakatarirwa Sheori samakwai; Rufu ruchava mufudzi wavo; Vakarurama vachabata ushe pamusoro pavo mangwanani; Kunaka kwavo kuchangoparadzwa neSheori, kuti kurege kuva nougaro.