Psalms 5:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋose ʋanoʋimba nemi ŋgaʋafare, Ŋgaʋaɗanidzire nomufaro ŋguʋa dzose, nokuti imi munoʋadzitira; Ʋose ʋanoɗa zita renyu ŋgaʋafare nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vose vanovanda mamuri ngavafare; ngavagare vachiimba nomufaro. Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu, kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vanopotera mamuri ngavafare, varambe vachiimba nomufaro. Imiwo vadzivirirei, kuitira kuti vanoda zita renyu vapembere nokufara mamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vose vanovimba nemi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose, nokuti imi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.
Shona 2009?
Asi vose vanovimba nemwi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose,nokuti imwi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vose vanovimba nemi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose, nokuti imi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.